Matthew 10

Vaapositori gumi nevaviri vanotumwa kunoparidza nekuporesa

1Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nekuporesa denda rese neurwere hwese.

2Zvino mazita evaapositori gumi nevaviri ndiwawa: Wekutanga, Simoni, anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake; Jakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina wake; 3Firipi, naBhatoromeo; Tomasi, naMatewu muteresi; Jakobho waArifiyo, naRebheu wainziwo Tadhiyo; 4Simoni muKenani, naJudhasi Isikariyoti iyewo wakamutengesa.

5Ava gumi nevaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti: Musaenda munzira yevahedheni, musapinda muguta reVaSamaria; 6asi zvikuru muende kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. 7Zvino pakufamba, muparidze muchiti: Ushe hwekumatenga hwaswedera. 8Poresai vanorwara, natsai vane maperembudzi, mutsai vakafa, budisai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena. 9Musawana goridhe, kana sirivheri, kana ndarira mumabhanhire enyu, 10kana homwe yerwendo, kana nguvo refu mbiri, kana manyatera, kana tsvimbo; nokuti mushandi wakafanira kudya kwake. 11Muguta ripi neripi kana mumusha wamunopinda, bvunzai kuti ndiani mauri wakafanira, mugarepo, kusvikira muchibva. 12Zvino kana muchipinda muimba, muikwazise. 13Uye kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo; asi kana isingafaniri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. 14Uye ani nani usingakugamuchiriyi, kana kuteerera mashoko enyu, kana muchibuda paimba iyo kana paguta iro, zuzai guruva retsoka dzenyu. 15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma neyeGomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.

16Tarirai, ini ndinokutumai semakwai pakati pemapumhi; naizvozvo chenjerai senyoka, mururame senjiva. 17Asi svinurirai vanhu; nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye vachakurovai netyava mumasinagoge avo; 18zvino muchauiswawo pamberi pevatungamiriri nemadzimambo nekuda kwangu, huve uchapupu kwavari nekuvahedheni. 19Asi kana vachikukumikidzai, musafunganya kuti muchataura sei kana chii; nokuti muchapiwa nenguva iyo chamuchataura. 20Nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mamuri. 21Mwanakomana wamai achakumikidza mwanakomana wamai kurufu, nababa mwana; uye vana vachamukira vabereki nekuvauraya. 22Uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa. 23Asi kana vachikushushai muguta iri, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungatongopedzi maguta aIsraeri, kusvikira Mwanakomana wemunhu asvika. 24Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi, kana muranda pamusoro paishe wake. 25Zvakaringanira mudzidzi kuti ave semudzidzisi wake, nemuranda saishe wake. Kana vaidza Ishe weimba kuti Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!

Jesu anoyambira vadzidzi vake

26Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chakafukidzwa chisingazobvundunurwi, kana chakavanzika chisingazozikanwi. 27Zvandinokuudzai murima, taurai pachiedza, nezvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pematenga edzimba. 28Uye musatya vanouraya muviri, asi havagoni kuuraya mweya; asi mutye zvikuru uyo anogona kuparadza zvese mweya nemuviri mugehena.

29Ko tushiri tuviri hatutengeswi nekobiri here? Asi kamwe kadzo hakangawiri pasi kunze kwekuda kwaBaba venyu. 30Asi nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. 31Naizvozvo musatya, imwi munopfuura tushiri tuzhinji.

32Naizvozvo umwe neumwe achandibvuma pamberi pevanhu, ini ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kumatenga. 33Asi ani nani anondiramba pamberi pevanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kumatenga.

Zviratidzo zvenguva

34Musafunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika; handina kuuya kuzoisa rugare, asi munondo. 35Nokuti ndakauya kuzopesanisa munhu nababa vake, nemukunda namai vake, nemuroora navamwene vake; 36nevavengi vemunhu ndeveimba yake. 37Anoda baba kana mai kupfuura ini haana kufanira ini; neanoda mwanakomana kana mukunda kupfuura ini haana kufanira ini; 38uye asingatori muchinjikwa wake akanditevera, haana kufanira ini. 39Anowana mweya wake acharasikirwa nawo; asi anorasikirwa nemweya wake nekuda kwangu achauwana. 40Uyo anogamuchira imwi anogamuchira ini; neanogamuchira ini anogamuchira iye wakandituma.

41Anogamuchira muporofita muzita remuporofita achawana mubairo wemuporofita; neanogamuchira wakarurama muzita rewakarurama achawana mubairo wewakarurama. 42Uye ani nani anonwisa umwe wevadiki ava mukombe chete wemvura inotonhorera muzita remudzidzi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangatongorasikirwi nemubairo wake.

Copyright information for Shona